Zvirevo 9:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Uchenjeri hwakavaka imba yahwo; hwakaveza mbiru dzahwo nomwe.

2. Hwakabika nyama yahwo; uye hukavhenganisa waini yahwo; hwagadzirawo tafura yahwo.

3. Hwakatuma varandakadzi vahwo, uye hunodanhidzira kubva panzvimbo yakakwirira kwazvo yeguta.

4. Kuna avo vanoshayiwa njere hunoti, “Vose vasina mano ngavauye muno!

5. Uyai, mudye zvokudya zvangu munwe waini yandavhenganisa.

6. Siyai nzira dzenyu dzisina mano mugorarama; fambai munzira yokunzwisisa.

Zvirevo 9