24. Makungwa asati avapo, ndakaberekwa, pasati pava nezvitubu zvine mvura zhinji;
25. makomo asati aiswa munzvimbo dzawo, zvikomo zvisati zvavapo, ndakaberekwa,
26. asati aita nyika neminda kana guruva ripi zvaro renyika.
27. Ndakanga ndiripo paakaisa matenga munzvimbo dzawo, paakaita denderedzwa pamusoro pamakungwa,
28. paakaita makore kudenga uye paakasimbisa zvitubu zvamakungwa,
29. paakapa gungwa miganhu yaro kuti mvura dzirege kudarika zvaakarayira, uye paakateya nheyo dzenyika.
30. Ipapo ndini ndaiva mhizha parutivi rwake. Ndaigara ndichifara zuva nezuva, ndichifara nguva dzose pamberi pake,
31. ndichifadzwa nenyika yake yose uye ndichifadzwa navanhu.
32. Saka zvino, vanakomana vangu, teererai kwandiri; vakaropafadzwa avo vanochengeta nzira dzangu.
33. Teererai kurayira kwangu mugova vakachenjera; musakuzvidza.
34. Akaropafadzwa munhu anoteerera kwandiri, anorinda mazuva ose pamasuo angu. Anomira pamukova womusuo wangu.
35. Nokuti ani naani anondiwana anowana upenyu uye anogamuchira nyasha kubva kuna Jehovha.
36. Asi ani naani asingandiwani anozvikuvadza; vose vanondivenga vanoda rufu.”