1. Ko, uchenjeri hahudanidziri here? Kunzwisisa hakusimudziri inzwi rako here?
2. Panzvimbo dzakakwirira panzira, pamharadzano dzenzira, ndipo pahumire;
3. parutivi rwamasuo okupinda muguta, pamikova, hunodanidzirisa huchiti,
4. “Kwamuri, imi varume, ndinodanidzira; ndinosimudzira inzwi rangu kuvanhu vose.
5. Imi vasina mano, wanai uchenjeri; imi mapenzi, wanai kunzwisisa.
6. Teererai, nokuti ndine zvinhu zvinokosha zvokutaura; ndinozarura muromo wangu kuti nditaure zvakarurama.
7. Muromo wangu unotaura zvokwadi, nokuti miromo yangu inovenga zvakaipa.
8. Mashoko ose omuromo wangu akarurama; hapana kana rimwe rakakombama kana rakaipa.
9. Kune ane njere ose zvawo akarurama, akarurama kuna avo vane zivo.
10. Sarudza kurayira kwangu panzvimbo yesirivha, ruzivo panzvimbo yegoridhe rakaisvonaka,
11. nokuti uchenjeri hunokosha kupfuura marubhi, uye hapana chaungada chingaenzaniswa nahwo.