Zvirevo 7:7-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Ndakaona pakati pavasina mano ndikacherechedza pakati pamajaya, rimwe jaya rakanga risina njere.

8. Rakanga richidzika nomugwagwa pedyo nepakona yomukadzi uya, richifamba rakananga kumba kwake,

9. panguva yorubvunzavaeni, zuva ravira, kunze kwosviba.

10. Ipapo mukadzi akabuda kuzosangana naye, akapfeka sechifeve uye azere nounyengeri.

11. Anotaura noruzha uye anozvikudza, tsoka dzake hadzigari pamba;

12. imwe nguva ari munzira, imwe nguva ari pazvivara. Anorindira pamakona ose.

13. Akamubata ndokumutsvoda, uye nechiso chisina nyadzi akati:

14. “Ndine zvipiriso zvokuwadzana kumba kwangu; nhasi ndazadzisa mhiko dzangu.

15. Saka ndauya kuzosangana newe; ndanga ndichikutsvaka, zvino ndazokuwana!

16. Ndawaridza mubhedha wangu machira ane mavara, anobva kuIjipiti.

17. Ndasasa zvinonhuwira pamubhedha wangu, zvinoti: mura, gavakava nesinamoni.

Zvirevo 7