Zvirevo 7:23-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

23. kusvikira museve wabaya chiropa chake, seshiri inokurumidza kupinda muugombe, asingazivi kuti zvichamuurayisa.

24. Saka zvino, vanakomana vangu, teererai kwandiri; nyatsoteererai zvandinotaura.

25. Usarega mwoyo wako uchitsaukira kunzira dzake, kana kurasikira pamakwara ake.

26. Vazhinji vakakuvadzwa naye vakawisirwa pasi; vaakauraya vakawanda kwazvo.

27. Imba yake mugwagwa mukuru unoenda kuguva, uchitungamirira kumakamuri orufu.

Zvirevo 7