Zvirevo 7:16-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. Ndawaridza mubhedha wangu machira ane mavara, anobva kuIjipiti.

17. Ndasasa zvinonhuwira pamubhedha wangu, zvinoti: mura, gavakava nesinamoni.

18. Uya, tinwe tigute norudo kusvikira mangwanani; ngatifare zvedu norudo!

19. Murume wangu haako kumba, akafamba rwendo rurefu.

20. Akatakura homwe yake izere nemari uye haangadzoki kumba kusvikira pajenaguru.”

Zvirevo 7