16. Ndawaridza mubhedha wangu machira ane mavara, anobva kuIjipiti.
17. Ndasasa zvinonhuwira pamubhedha wangu, zvinoti: mura, gavakava nesinamoni.
18. Uya, tinwe tigute norudo kusvikira mangwanani; ngatifare zvedu norudo!
19. Murume wangu haako kumba, akafamba rwendo rurefu.
20. Akatakura homwe yake izere nemari uye haangadzoki kumba kusvikira pajenaguru.”