Zvirevo 7:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mwanakomana wangu, chengeta mashoko angu ugoviga mirayiro yangu mauri.

2. Chengeta mirayiro yangu ugorarama; uchengete dzidziso dzangu semboni yeziso rako.

3. Uzvisungirire paminwe yako; uzvinyore pahwendefa yomwoyo wako.

4. Uti kuuchenjeri, “Uri hanzvadzi yangu.” uye uti kunzwisisa ndiyo hama yako;

5. zvichakuchengeta kure nomukadzi chifeve; kubva pamudzimai asingazvibati anokwezva namashoko ake.

6. Napawindo remba yangu ndakatarira panze nomumagirazi.

7. Ndakaona pakati pavasina mano ndikacherechedza pakati pamajaya, rimwe jaya rakanga risina njere.

8. Rakanga richidzika nomugwagwa pedyo nepakona yomukadzi uya, richifamba rakananga kumba kwake,

Zvirevo 7