Zvirevo 6:31-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

31. Asi kana akabatwa, anofanira kuripa kakapetwa kanomwe, kunyange zvichimutorera pfuma yose yeimba yake.

32. Asi munhu anoita upombwe, anoshayiwa njere; ani naani anozviita anozviparadza iye pachake.

33. Kurohwa nokunyadziswa ndiwo mugove wake, uye kunyadziswa kwake hakungatongobviswi;

34. nokuti godo rinomutsa hasha dzomurume, uye haanganzwiri tsitsi kana otsiva.

35. Haangagamuchiri muripo upi zvawo; acharamba fufuro, kunyange rakakura sei.

Zvirevo 6