10. kuti vatorwa varege kudya upfumi hwenyu, uye kushanda kwenyu nesimba kurege kupfumisa imba yomumwe munhu.
11. Pakupedzisira kwoupenyu hwako uchagomera, kana nyama nomuviri wako zvaparadzwa.
12. Uchazoti, “Mavengero andaiita kurayirwa! Mashorero aiita mwoyo wangu kudzorwa!
13. Ndakanga ndisingateereri vadzidzisi vangu, kana kunzwa varairidzi vangu.
14. Ndasvika pakuparara chaiko pakati peungano yose.”
15. Inwa mvura pachirongo chako chaicho, mvura inoerera patsime rako chairo.
16. Ko, zvitubu zvako zvinofanira kuerera mumigwagwa here; nzizi dzako dzemvura pazvivara?
17. Ngadzive dzako woga, hadzitombofaniri kugoveranwa navatorwa.
18. Tsime rako ngariropafadzwe, uye ufadzwe nomudzimai woujaya hwako.
19. Sehadzi yengururu inofadza, nehadzi yenondo yakanaka, mazamu ake ngaakufadze nguva dzose, ugare uchigutswa norudo rwake.
20. Unogutsirweiko, mwanakomana wangu, nomukadzi chifeve? Unombundikirireiko chipfuva chomukadzi womumwe murume?
21. Nokuti nzira dzomunhu dziri pachena pamberi paJehovha, uye anoongorora nzira dzake dzose.
22. Zviito zvakaipa zvomunhu akaipa zvichamusunga; tambo dzechivi chake dzichamubata iye kwazvo.
23. Achafa nokuda kwokushayiwa kuzvibata kwake, atsauswa noupenzi hwake hukuru.