Zvirevo 4:4-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. baba vangu vakandidzidzisa vachiti, “Mwoyo wako ngaubatisise mashoko angu; chengeta mirayiro yangu ugorarama.

5. Wana uchenjeri, wana kunzwisisa; usakanganwa mashoko angu kana kubva paari.

6. Usarasa uchenjeri, ipapo huchakuchengeta; hude, ihwo hugokurinda.

7. Uchenjeri chinhu chikuru; naizvozvo wana uchenjeri. Kunyange huchikutorera zvose zvaunazvo, wana kunzwisisa.

8. Uhukudze; ipapo huchakusimudzira; uhumbundikire, ipapo huchakukudza.

9. Huchakupfekedza chishongo chenyasha mumusoro mako, uye huchakupa korona yokubwinya.”

10. Teerera, mwanakomana wangu, gamuchira zvandinotaura, ipapo makore oupenyu hwako achava mazhinji.

11. Ndinokudzidzisa nzira youchenjeri uye ndiri kukutungamirira panzira dzakarurama.

Zvirevo 4