Zvirevo 4:4-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. baba vangu vakandidzidzisa vachiti, “Mwoyo wako ngaubatisise mashoko angu; chengeta mirayiro yangu ugorarama.

5. Wana uchenjeri, wana kunzwisisa; usakanganwa mashoko angu kana kubva paari.

6. Usarasa uchenjeri, ipapo huchakuchengeta; hude, ihwo hugokurinda.

7. Uchenjeri chinhu chikuru; naizvozvo wana uchenjeri. Kunyange huchikutorera zvose zvaunazvo, wana kunzwisisa.

8. Uhukudze; ipapo huchakusimudzira; uhumbundikire, ipapo huchakukudza.

9. Huchakupfekedza chishongo chenyasha mumusoro mako, uye huchakupa korona yokubwinya.”

10. Teerera, mwanakomana wangu, gamuchira zvandinotaura, ipapo makore oupenyu hwako achava mazhinji.

Zvirevo 4