Zvirevo 4:22-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

22. nokuti upenyu kuna avo vanoawana uye noutano kumuviri wose womunhu.

23. Pamusoro pazvo zvose, chengetedza mwoyo wako, nokuti ndicho chitubu choupenyu.

24. Bvisa nhema pamuromo wako; kutaura kwakaora ngakuve kure nemiromo yako.

25. Meso ako ngaatarire mberi bedzi, ramba wakatarira mberi kwako.

Zvirevo 4