Zvirevo 4:12-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Paunofamba, tsoka dzako hadzingapinganidzwi, paunomhanya, haungagumburwi.

13. Batisisa kurayirwa, usarega kuchienda; nyatsokurinda zvakanaka, nokuti ndihwo upenyu hwako.

14. Usaisa rutsoka panzira dzavakaipa, kana kufamba panzira dzavanhu vakaipa.

15. Udzinzvenge, usafamba padziri; tsauka padziri ugopfuurira mberi.

16. Nokuti havangavati vasati vaita zvakaipa; havangabatwi nehope kusvikira vaita kuti mumwe munhu aputsike.

17. Vanodya zvokudya zvezvakaipa, uye vanonwa waini yezvechisimba.

18. Nzira yavakarurama yakafanana nechiedza chamambakwedza, chinoramba chichiwedzera kubwinya kusvikira pachiedza chamasikati makuru.

Zvirevo 4