12. Paunofamba, tsoka dzako hadzingapinganidzwi, paunomhanya, haungagumburwi.
13. Batisisa kurayirwa, usarega kuchienda; nyatsokurinda zvakanaka, nokuti ndihwo upenyu hwako.
14. Usaisa rutsoka panzira dzavakaipa, kana kufamba panzira dzavanhu vakaipa.
15. Udzinzvenge, usafamba padziri; tsauka padziri ugopfuurira mberi.
16. Nokuti havangavati vasati vaita zvakaipa; havangabatwi nehope kusvikira vaita kuti mumwe munhu aputsike.
17. Vanodya zvokudya zvezvakaipa, uye vanonwa waini yezvechisimba.
18. Nzira yavakarurama yakafanana nechiedza chamambakwedza, chinoramba chichiwedzera kubwinya kusvikira pachiedza chamasikati makuru.