Zvirevo 4:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Teererai, vanakomana vangu, kurayira kwababa venyu; nyatsoteererai mugowana kunzwisisa.

2. Ndinokupai dzidziso yakanaka, saka regai kurasa dzidziso yangu.

3. Pandakanga ndiri mukomana mumba mababa vangu, ndichiri muduku uye mwana mumwe chete wamai vangu,

4. baba vangu vakandidzidzisa vachiti, “Mwoyo wako ngaubatisise mashoko angu; chengeta mirayiro yangu ugorarama.

Zvirevo 4