5. nokuti vangazonwa vakakanganwa zvakatemwa nomurayiro, uye vakazotadza kururamisira kodzero dzavanomanikidzwa vose.
6. Ipai doro kuna avo vari kuparara, newaini kuna avo vari mukurwadziwa:
7. regai vanwe vakanganwe urombo hwavo, uye varege kuzorangarirazve kutambudzika kwavo.
8. “Taurai pachinzvimbo chaavo vasingagoni kuzvitaurira, pamusoro pekodzero dzavose vanoshayiwa.
9. Taura utonge zvakanaka; udzivirire kodzero dzavarombo navanoshayiwa.”
10. Mudzimai ane unhu hwakanaka ndiani angamuwana? Mutengo wake unopfuura nokure matombo anokosha emarubhi.