Zvirevo 31:27-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

27. Anotarira zvakanaka mararamiro emhuri yake, uye haadyi zvokudya zvousimbe.

28. Vana vake vanosimuka vagomuti akaropafadzwa, murume wakewo, anomurumbidza:

29. “Vakadzi vazhinji vanoita zvinhu zvakanaka, asi iwe unovakunda vose.”

30. Zvinofadza zvinonyengera, uye runako runopera; asi mukadzi anotya Jehovha anofanira kurumbidzwa.

31. Mupeiwo mubayiro wake waakashandira, uye mabasa ake ngaamupe kurumbidzwa pasuo reguta.

Zvirevo 31