Zvirevo 31:25-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

25. Simba nokukudzwa ndizvo nguo dzake; anofara akatarisana namazuva anouya.

26. Anotaura nouchenjeri, uye kurayira kwakatendeka kuri parurimi rwake.

27. Anotarira zvakanaka mararamiro emhuri yake, uye haadyi zvokudya zvousimbe.

28. Vana vake vanosimuka vagomuti akaropafadzwa, murume wakewo, anomurumbidza:

29. “Vakadzi vazhinji vanoita zvinhu zvakanaka, asi iwe unovakunda vose.”

Zvirevo 31