Zvirevo 31:14-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Akafanana nezvikepe zvavatengesi, anondotora zvokudya zvake kure.

15. Anomuka kuchakasviba; agotsvagira mhuri yake zvokudya nokupa varandakadzi vake basa ravo.

16. Anonan'anidza munda agoutenga; anosima munda wemizambiringa nezvaakawana namaoko ake.

17. Anoita basa rake nesimba; kuti aite maoko ake akasimba mabasa ake.

18. Anoona kuti kushambadzira kwake kunobatsira, uye mwenje wake haudzimi pausiku.

19. Muruoko rwake anobata chirukiso, uye anobata chirukwa neminwe yake.

20. Anotambanudzira maoko ake kuvarombo, uye anotandavadzira maoko ake kune vanoshayiwa.

21. Kana kwotonhora, haatyire mhuri yake; nokuti vose vakapfeka nguo dzinodziya.

22. Anozvigadzirira zvokuwaridza panhoo yake; anozvipfekedza nguo yomucheka wakaisvonaka, uye nomucheka wepepuru.

Zvirevo 31