Zvirevo 30:26-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

26. mbira zvipuka zvisina simba guru, asi dzinoita imba yadzo mumatombo;

27. mhashu hadzina mambo, asi dzinofamba pamwe chete mumapoka adzo;

28. dzvinyu rinogona kubatwa namaoko, asi rinowanikwa mumizinda yamadzimambo.

29. “Kune zvinhu zvitatu zvino kufamba kunokudzwa kwazvo, zvina zvino kufamba kunokudzwa kwazvo;

Zvirevo 30