Zvirevo 30:15-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. “Chikwevaropa chine vanasikana vaviri. Vanodanidzira vachiti, ‘Tipei! Tipei!’ “Kune zvinhu zvitatu zvisingatongoguti, zvina zvisingamboti, ‘Zvaringana!’:

16. guva, chizvaro chisingabereki, pasi pasingaguti mvura, nomoto usingamboti, ‘Zvaringana!’

17. Ziso rinotuka baba, rinoshora kuteerera mai, richanongorwa namakunguo omumupata, richadyiwa namagora.

18. “Pane zvinhu zvitatu zvinondishamisa kwazvo, zvina zvandisinganzwisisi, zvinoti:

19. nzira yegondo riri mudenga, nenzira yenyoka paruware, nenzira yechikepe pagungwa, uye nzira yomurume ane musikana.

20. “Iyi ndiyo nzira yomukadzi chifeve: Anodya agopukuta muromo wake uye agoti, ‘Hapana chinhu chakaipa chandaita ini.’

21. “Nyika inodedera nokuda kwezvinhu zvitatu, zvinhu zvina zvaisingadi kuona:

22. muranda anozova mambo, benzi rine zvokudya zvizhinji,

23. mukadzi akaroorwa asi asingadiwi, nomurandakadzi anotorera vatenzi vake murume.

24. “Panyika pane zvinhu zvina zvidiki, asi zvakachenjera kwazvo:

25. Majuru zvipuka zvine simba duku asi anounganidza zvokudya zvawo muzhizha:

26. mbira zvipuka zvisina simba guru, asi dzinoita imba yadzo mumatombo;

27. mhashu hadzina mambo, asi dzinofamba pamwe chete mumapoka adzo;

28. dzvinyu rinogona kubatwa namaoko, asi rinowanikwa mumizinda yamadzimambo.

Zvirevo 30