6. munzira dzako dzose umutende, uye acharuramisa nzira dzako.
7. Usazviita munhu akachenjera pameso ako; itya Jehovha uvenge zvakaipa.
8. Izvi zvichava utano pamuviri wako nokusimbiswa kwamapfupa ako.
9. Kudza Jehovha nepfuma yako, zvokutanga zvezvirimwa zvako;
10. ipapo matura ako achazadzwa kusvikira pakufashukira, uye makate ako achazara kusvika pamusoro newaini itsva.
11. Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaJehovha, uye usatsamwira kutsiura kwake,
12. nokuti Jehovha anoranga avo vaanoda, sababa nomwanakomana wavanofarira.
13. Akaropafadzwa munhu anowana uchenjeri, munhu anowana kunzwisisa,
14. nokuti hwakanyanya kunaka kupfuura sirivha, uye hunopfumisa kupfuura goridhe.
15. Hunokosha kupfuura marubhi; zvose zvaunoshuva hazvingafananidzwi nahwo.
16. Mazuva mazhinji oupenyu ari muruoko rwahwo rworudyi; muruboshwe rwahwo mune upfumi nokukudzwa.
17. Nzira dzahwo dzinofadza, uye makwara ahwo ose rugare.
18. Ndihwo muti woupenyu kuna vose vanohumbundikira; vose vanohubata vacharopafadzwa.
19. Nouchenjeri Jehovha akateya nheyo dzenyika, nokunzwisisa akaisa matenga munzvimbo dzawo;
20. noruzivo rwake mvura dzakadzika dzakapatsanurwa, uye makore akadonhedza dova.
21. Mwanakomana wangu, chengetedza kutonga kwakanaka nokungwara, usazvirega zvichibva pameso ako;
22. zvichava upenyu kwauri, chishongo chakanaka pamutsipa wako.