Zvirevo 3:21-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

21. Mwanakomana wangu, chengetedza kutonga kwakanaka nokungwara, usazvirega zvichibva pameso ako;

22. zvichava upenyu kwauri, chishongo chakanaka pamutsipa wako.

23. Ipapo uchafamba panzira yako murugare, uye rutsoka rwako harungagumburwi;

24. paunovata pasi, haungatyi; paunovata pasi, hope dzako dzichava dzakanaka.

25. Usatya zvako dambudziko rinovhundutsa kana kuparadza kunokunda vakaipa,

26. nokuti Jehovha achava chivimbo chako uye achachengeta rutsoka rwako kuti rurege kubatwa.

Zvirevo 3