13. Akaropafadzwa munhu anowana uchenjeri, munhu anowana kunzwisisa,
14. nokuti hwakanyanya kunaka kupfuura sirivha, uye hunopfumisa kupfuura goridhe.
15. Hunokosha kupfuura marubhi; zvose zvaunoshuva hazvingafananidzwi nahwo.
16. Mazuva mazhinji oupenyu ari muruoko rwahwo rworudyi; muruboshwe rwahwo mune upfumi nokukudzwa.
17. Nzira dzahwo dzinofadza, uye makwara ahwo ose rugare.
18. Ndihwo muti woupenyu kuna vose vanohumbundikira; vose vanohubata vacharopafadzwa.
19. Nouchenjeri Jehovha akateya nheyo dzenyika, nokunzwisisa akaisa matenga munzvimbo dzawo;
20. noruzivo rwake mvura dzakadzika dzakapatsanurwa, uye makore akadonhedza dova.
21. Mwanakomana wangu, chengetedza kutonga kwakanaka nokungwara, usazvirega zvichibva pameso ako;
22. zvichava upenyu kwauri, chishongo chakanaka pamutsipa wako.
23. Ipapo uchafamba panzira yako murugare, uye rutsoka rwako harungagumburwi;
24. paunovata pasi, haungatyi; paunovata pasi, hope dzako dzichava dzakanaka.
25. Usatya zvako dambudziko rinovhundutsa kana kuparadza kunokunda vakaipa,
26. nokuti Jehovha achava chivimbo chako uye achachengeta rutsoka rwako kuti rurege kubatwa.
27. Usarega kuitira zvakanaka kuno uyo akafanirwa nazvo, kana zviri musimba rako kuzviita.
28. Usati kumuvakidzani wako, “Ugodzoka imwe nguva; ndichazokupa mangwana,” iwe uchitova nazvo pauri.
29. Usaronga kuitira muvakidzani wako zvakaipa, anogara nechivimbo pedyo newe.