Zvirevo 3:13-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Akaropafadzwa munhu anowana uchenjeri, munhu anowana kunzwisisa,

14. nokuti hwakanyanya kunaka kupfuura sirivha, uye hunopfumisa kupfuura goridhe.

15. Hunokosha kupfuura marubhi; zvose zvaunoshuva hazvingafananidzwi nahwo.

16. Mazuva mazhinji oupenyu ari muruoko rwahwo rworudyi; muruboshwe rwahwo mune upfumi nokukudzwa.

17. Nzira dzahwo dzinofadza, uye makwara ahwo ose rugare.

18. Ndihwo muti woupenyu kuna vose vanohumbundikira; vose vanohubata vacharopafadzwa.

19. Nouchenjeri Jehovha akateya nheyo dzenyika, nokunzwisisa akaisa matenga munzvimbo dzawo;

20. noruzivo rwake mvura dzakadzika dzakapatsanurwa, uye makore akadonhedza dova.

21. Mwanakomana wangu, chengetedza kutonga kwakanaka nokungwara, usazvirega zvichibva pameso ako;

22. zvichava upenyu kwauri, chishongo chakanaka pamutsipa wako.

23. Ipapo uchafamba panzira yako murugare, uye rutsoka rwako harungagumburwi;

Zvirevo 3