Zvirevo 29:4-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Nokururamisira mambo anosimbisa nyika, asi uyo anokara fufuro anoiparadza.

5. Ani naani anonyengera muvakidzani wake anodzikira tsoka dzake mumbure.

6. Munhu akaipa anoteyiwa nezvivi zvake, asi munhu akarurama anogona kuimba uye agofara.

7. Vakarurama vane hanya nokururamisirwa kwavarombo, asi vakaipa havana hanya naizvozvo.

8. Vatuki vanomutsa bope muguta, asi vanhu vakachenjera vanodzora kutsamwa.

Zvirevo 29