3. Munhu anoda uchenjeri anouyisa mufaro kuna baba vake, asi anoshamwaridzana nechifeve anoparadza pfuma yake.
4. Nokururamisira mambo anosimbisa nyika, asi uyo anokara fufuro anoiparadza.
5. Ani naani anonyengera muvakidzani wake anodzikira tsoka dzake mumbure.
6. Munhu akaipa anoteyiwa nezvivi zvake, asi munhu akarurama anogona kuimba uye agofara.
7. Vakarurama vane hanya nokururamisirwa kwavarombo, asi vakaipa havana hanya naizvozvo.
8. Vatuki vanomutsa bope muguta, asi vanhu vakachenjera vanodzora kutsamwa.
9. Kana munhu akachenjera akaenda kumatare nebenzi, benzi rinotsamwa uye rigotuka, zvokuti hapangavi norugare.
10. Vanhu vanofarira kudeura ropa vanovenga munhu akaruruma, uye vanotsvaka kuuraya vakarurama.
11. Benzi rinobudisa hasha dzaro dzose, asi munhu akachenjera anozvibata.
12. Kana mubati akateerera nhema machinda ake ose achava akaipa.
13. Murombo nomunhu anomanikidza vakafanana pachinhu ichi: Jehovha ndiye anoita kuti meso avo vose aone.
14. Kana mambo akatonga varombo nokururamisira, chigaro chake choushe chinogara chakachengetedzeka nguva dzose.
15. Shamhu yokuranga inopa uchenjeri, asi mwana anosiyiwa akadaro achanyadzisa mai vake.
16. Kana vakaipa vachiwanda, nezvivi zvinowandawo, asi vakarurama vachaona kuwa kwavo.