11. Benzi rinobudisa hasha dzaro dzose, asi munhu akachenjera anozvibata.
12. Kana mubati akateerera nhema machinda ake ose achava akaipa.
13. Murombo nomunhu anomanikidza vakafanana pachinhu ichi: Jehovha ndiye anoita kuti meso avo vose aone.
14. Kana mambo akatonga varombo nokururamisira, chigaro chake choushe chinogara chakachengetedzeka nguva dzose.