1. Munhu anoramba akaomesa mutsipa wake mushure mokutsiurwa kazhinji achaparadzwa nokukurumidza, kusina chingamubatsira.
2. Kana vakarurama vachiwanda, vanhu vanofara; asi kana vakaipa vachitonga, vanhu vanogomera.
3. Munhu anoda uchenjeri anouyisa mufaro kuna baba vake, asi anoshamwaridzana nechifeve anoparadza pfuma yake.
4. Nokururamisira mambo anosimbisa nyika, asi uyo anokara fufuro anoiparadza.
5. Ani naani anonyengera muvakidzani wake anodzikira tsoka dzake mumbure.
6. Munhu akaipa anoteyiwa nezvivi zvake, asi munhu akarurama anogona kuimba uye agofara.