Zvirevo 27:8-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Seshiri inorasika kubva padendere rayo, ndizvo zvakaita munhu anorasika kubva pamusha wake.

9. Mafuta nezvinonhuwira zvinouyisa mufaro kumwoyo, uye kunaka kwoushamwari kunobva padzidziso dzake dzakanaka.

10. Usarasa shamwari yako kana shamwari yababa vako, uye usangoenda kumba yehama yako kana wawirwa nedambudziko chete, muvakidzani ari pedyo ari nani kupfuura hama iri kure.

11. Iva wakachenjera, mwanakomana wangu, ugofadza mwoyo wangu; ipapo ndichagona kupindura ani naani anondishora.

12. Munhu akangwara anoona njodzi agovanda, asi asina mano anoramba achienda uye agokuvadzwa nayo.

13. Torera nguo uyo anozviita rubatso kumutorwa; uitore semhiko kana achinge aiita rubatso kumukadzi asingazvibati.

14. Kana munhu akafumira rungwanangwana kukwazisa muvakidzani wake achidaidzirisa zvichaonekwa sechituko.

15. Mudzimai anokakavara akafanana nemvura inoramba ichidonha-donha mushure mokunge kwanaya;

16. kumudzivisa zvakafanana nokudzivisa mhepo, kana kuchingidzira mafuta noruoko.

17. Simbi inorodza simbi, saizvozvowo mumwe munhu anorodza mumwe.

18. Uyo anochengeta muonde achadya zvibereko zvawo, uye uyo anochengeta tenzi wake achakudzwa.

19. Sezvo mvura ichiratidza chiso, saizvozvowo mwoyo womunhu unoratidza munhu.

Zvirevo 27