Zvirevo 27:13-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Torera nguo uyo anozviita rubatso kumutorwa; uitore semhiko kana achinge aiita rubatso kumukadzi asingazvibati.

14. Kana munhu akafumira rungwanangwana kukwazisa muvakidzani wake achidaidzirisa zvichaonekwa sechituko.

15. Mudzimai anokakavara akafanana nemvura inoramba ichidonha-donha mushure mokunge kwanaya;

16. kumudzivisa zvakafanana nokudzivisa mhepo, kana kuchingidzira mafuta noruoko.

Zvirevo 27