Zvirevo 25:7-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Zviri nani kuti ati kwauri, “Kwira pano,” pano kuti akunyadzise pamberi pavanhu vanoremekedzwa.

8. Zvawakaona nameso ako usakurumidze kuzvikwidza kumatare edzimhosva, nokuti uchazoiteiko pamagumo, kana muvakidzani wako akakunyadzisa?

9. Kana uchipikisana nomuvakidzani wako, usarase chivimbo chomumwe munhu,

10. kana kuti uyo achazvinzwa angangokunyadzisa, uye uchazoramba uine chimiro chakaipa.

11. Shoko rataurwa nenguva yakafanira rakafanana namaapuro egoridhe mumidziyo yesirivha.

12. Semhete yomunzeve yegoridhe kana chishongo chegoridhe rakaisvonaka, ndizvo zvakaita kutsiura kwomunhu akachenjera, kunzeve inoteerera.

13. Nhume yakatendeka kune anoituma yakafanana nokutonhorera kwechando panguva yokukohwa; inonyevenutsa mweya yavanatenzi vake.

14. Samakore nemhepo zvisina mvura, ndizvo zvakaita munhu anozvirumbidza pamusoro pezvipo zvaasingapi.

15. Kubudikidza nomwoyo murefu mubati anogona kukundwa, uye rurimi runyoro runogona kuvhuna mapfupa.

16. Kana wawana uchi, idya hunokuringana chete, hukawandisa, ucharutsa.

17. Usanyanyoenda pamba pomuvakidzani wako, ukanyanya kuendapo, achakuvenga.

18. Setsvimbo kana munondo kana museve unopinza, ndizvo zvakaita munhu anopa uchapupu hwenhema achipikisa muvakidzani wake.

19. Sezino rakaora kana tsoka yakaremara, ndizvo zvakafanana nokuvimba nomunhu asina kutendeka panguva yokutambudzika.

Zvirevo 25