Zvirevo 25:26-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

26. Sechitubu chizere madhaka kana tsime rasvibiswa, ndizvo zvakaita munhu akarurama anopa mukana kumunhu akaipa.

27. Hazvina kunaka kudya uchi huzhinji, kana kuti munhu azvitsvakire kukudzwa kwake iye.

28. Seguta rakakoromoka masvingo ndizvo zvakaita munhu asingagoni kuzvibata.

Zvirevo 25