Zvirevo 25:11-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Shoko rataurwa nenguva yakafanira rakafanana namaapuro egoridhe mumidziyo yesirivha.

12. Semhete yomunzeve yegoridhe kana chishongo chegoridhe rakaisvonaka, ndizvo zvakaita kutsiura kwomunhu akachenjera, kunzeve inoteerera.

13. Nhume yakatendeka kune anoituma yakafanana nokutonhorera kwechando panguva yokukohwa; inonyevenutsa mweya yavanatenzi vake.

14. Samakore nemhepo zvisina mvura, ndizvo zvakaita munhu anozvirumbidza pamusoro pezvipo zvaasingapi.

15. Kubudikidza nomwoyo murefu mubati anogona kukundwa, uye rurimi runyoro runogona kuvhuna mapfupa.

16. Kana wawana uchi, idya hunokuringana chete, hukawandisa, ucharutsa.

17. Usanyanyoenda pamba pomuvakidzani wako, ukanyanya kuendapo, achakuvenga.

18. Setsvimbo kana munondo kana museve unopinza, ndizvo zvakaita munhu anopa uchapupu hwenhema achipikisa muvakidzani wake.

19. Sezino rakaora kana tsoka yakaremara, ndizvo zvakafanana nokuvimba nomunhu asina kutendeka panguva yokutambudzika.

20. Souya anokurura nguo musi unotonhora, kana sevhiniga inodururwa pasoda, ndizvo zvinoita uyo anoimbira nziyo kumwoyo unorwadziwa.

21. Kana muvengi wako ane nzara, mupe zvokudya adye; kana aine nyota, mupe mvura anwe.

22. Mukuita izvi, uchaunganidzira mazimbe anopisa pamusoro wake, uye Jehovha achakupa mubayiro.

23. Semhepo yokumusoro inouyisa mvura, naizvozvo rurimi rwakaipa runouyisa zviso zvakashatirwa.

24. Zviri nani kugara pakona redenga reimba pano kugara mumba nomudzimai anokakavara.

25. Semvura inotonhorera kumweya wakaneta ndizvo zvakaita nhau dzakanaka dzinobva kunyika iri kure.

26. Sechitubu chizere madhaka kana tsime rasvibiswa, ndizvo zvakaita munhu akarurama anopa mukana kumunhu akaipa.

Zvirevo 25