9. Usataura nebenzi, nokuti richashora uchenjeri hwamashoko ako.
10. Usabvisa dombo romuganhu wakare kana kupinda paminda yenherera,
11. nokuti Mudziviriri wavo ane simba; iye achavarwira pamhaka yavo newe.
12. Isa mwoyo wako kumurayiro nenzeve dzako kumashoko ezivo.
13. Usarega kuranga mwana; ukamuranga neshamhu, haafi.