Zvirevo 23:5-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Kungoti tarisei papfuma, wanei yaenda, nokuti zvirokwazvo inomera mapapiro igobhururuka ichienda kudenga segondo.

6. Usadya zvokudya zvomunhu anonyima, kana kupanga zvokudya zvake zvinonaka;

7. nokuti munhu uya anongofunga chete mutengo wazvo. Anoti kwauri, “Idya ugonwa,” asi mumwoyo make asingadi.

8. Ucharutsa zvishoma izvozvo zvawadya, uye unenge watambisa mashoko ako nokumutenda.

Zvirevo 23