Zvirevo 23:24-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

24. Baba vomunhu akarurama vane mufaro mukuru; uyo ane mwanakomana akachenjera anofadzwa naye.

25. Baba vako namai vako ngavafare; mai vakakubereka ngavafare kwazvo!

26. Mwanakomana wangu, ndipe mwoyo wako uye meso ako ngaanan'anidze nzira dzangu,

27. nokuti chifeve igomba rakadzika, uye mukadzi asingazvibati itsime rakamanikana.

28. Segororo anohwandira, anowedzera vasina kutendeka pakati pavarume.

Zvirevo 23