Zvirevo 23:22-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

22. Teerera kuna baba vako, ivo vakakubereka, uye usazvidza mai vako kana vachinge vakwegura.

23. Tenga zvokwadi urege kuzoitengesa; uwane uchenjeri, kuzvibata nokunzwisisa.

24. Baba vomunhu akarurama vane mufaro mukuru; uyo ane mwanakomana akachenjera anofadzwa naye.

25. Baba vako namai vako ngavafare; mai vakakubereka ngavafare kwazvo!

26. Mwanakomana wangu, ndipe mwoyo wako uye meso ako ngaanan'anidze nzira dzangu,

Zvirevo 23