21. nokuti zvidhakwa nevane madyo vachava varombo, uye hope dzichavapfekedza mamvemve.
22. Teerera kuna baba vako, ivo vakakubereka, uye usazvidza mai vako kana vachinge vakwegura.
23. Tenga zvokwadi urege kuzoitengesa; uwane uchenjeri, kuzvibata nokunzwisisa.
24. Baba vomunhu akarurama vane mufaro mukuru; uyo ane mwanakomana akachenjera anofadzwa naye.
25. Baba vako namai vako ngavafare; mai vakakubereka ngavafare kwazvo!
26. Mwanakomana wangu, ndipe mwoyo wako uye meso ako ngaanan'anidze nzira dzangu,
27. nokuti chifeve igomba rakadzika, uye mukadzi asingazvibati itsime rakamanikana.