Zvirevo 23:11-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. nokuti Mudziviriri wavo ane simba; iye achavarwira pamhaka yavo newe.

12. Isa mwoyo wako kumurayiro nenzeve dzako kumashoko ezivo.

13. Usarega kuranga mwana; ukamuranga neshamhu, haafi.

14. Murange neshamhu ugoponesa mweya wake kubva parufu.

15. Mwanakomana wangu, kana mwoyo wako wakachenjera, ipapo mwoyo wangu uchafara;

16. mukatikati mangu muchapembera kana miromo yako ichitaura zvakarurama.

Zvirevo 23