11. nokuti Mudziviriri wavo ane simba; iye achavarwira pamhaka yavo newe.
12. Isa mwoyo wako kumurayiro nenzeve dzako kumashoko ezivo.
13. Usarega kuranga mwana; ukamuranga neshamhu, haafi.
14. Murange neshamhu ugoponesa mweya wake kubva parufu.
15. Mwanakomana wangu, kana mwoyo wako wakachenjera, ipapo mwoyo wangu uchafara;
16. mukatikati mangu muchapembera kana miromo yako ichitaura zvakarurama.