Zvirevo 22:4-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Kuzvininipisa nokutya Jehovha kunouyisa pfuma nokukudzwa uye noupenyu.

5. Munzira yowakaipa mune minzwa nemisungo, asi uyo anochengeta mweya wake anogara kure nazvo.

6. Dzidzisa mwana nzira yaanofanira kufamba nayo, uye kana achinge akura haazotsauki kubva pairi.

7. Mupfumi anobata ushe pamusoro pomurombo, uye anokwereta anova muranda waanomupa chikwereti.

8. Uyo anodyara kuipa anokohwa dambudziko, uye tsvimbo yokutsamwa kwake ichaparadzwa.

9. Munhu anopa zvakawanda acharopafadzwa, nokuti anopa varombo zvokudya zvake.

10. Dzinga museki, kukakavara kunobva kwaendawo; kupopotedzana nokutukana kunoguma.

11. Uyo anoda mwoyo wakachena uye anotaura zvakanaka, achava shamwari yamambo.

12. Meso aJehovha anorinda zivo, asi anokonesa mashoko omunhu asina kutendeka.

Zvirevo 22