Zvirevo 22:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zita rakanaka rinodiwa kwazvo kupfuura pfuma zhinji; kuremekedzwa kuri nani pane sirivha kana goridhe.

2. Vapfumi navarombo vakafanana pachinhu ichi: Jehovha ndiye Musiki wavo vose.

3. Munhu akangwara anoona njodzi agohwanda, asi asina mano anoramba achienda uye agotambura nokuda kwaizvozvo.

4. Kuzvininipisa nokutya Jehovha kunouyisa pfuma nokukudzwa uye noupenyu.

Zvirevo 22