Zvirevo 22:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zita rakanaka rinodiwa kwazvo kupfuura pfuma zhinji; kuremekedzwa kuri nani pane sirivha kana goridhe.

2. Vapfumi navarombo vakafanana pachinhu ichi: Jehovha ndiye Musiki wavo vose.

3. Munhu akangwara anoona njodzi agohwanda, asi asina mano anoramba achienda uye agotambura nokuda kwaizvozvo.

Zvirevo 22