5. Urongwa hwavanoshingaira hunouyisa zvizhinji, sezvo, zvirokwazvo, kukurumidzisa kuchiuyisa urombo.
6. Pfuma yakaunganidzwa norurimi runoreva nhema imhute inopupurutswa uye muteyo wakaipisisa.
7. Kumanikidza kwavakaipa kuchavazvuzvurudzira kure, nokuti vanoramba kuita zvakarurama.
8. Nzira yeane mhosva yakaminama, asi kufamba kwaasina mhosva kwakarurama.