15. Kana kururamisira kwaitwa, kunouyisa mufaro kuna vakarurama, asi kunovhundutsa vaiti vezvakaipa.
16. Munhu anorasika panzira yokunzwisisa achandozororera muungano yavakafa.
17. Uyo anofarira mafaro achava murombo; ani naani anofarira waini namafuta haazombopfumi.
18. Akaipa achava dzikinuro yavakarurama, uye vasina kutendeka vachava dzikinuro yaakatendeka.
19. Zviri nani kugara mugwenga, pano kugara nomudzimai anokakavara uye ane hasha.