Zvirevo 20:4-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Simbe hairimi mumwaka wokurima; saka panguva yokukohwa anotsvaka asi hapana chaanowana.

5. Zvinangwa zvomwoyo womunhu imvura yakadzika, asi munhu akachenjera achaichera.

6. Vanhu vazhinji vanoti vane rudo rusingagumi, asi munhu akatendeka angawanikwa kupiko?

7. Munhu akarurama anorarama upenyu hwakanaka; vana vake vanomutevera vakaropafadzwa.

8. Kana mambo achinge agara pachigaro chake kuti atonge, anopepeta zvakaipa zvose nameso ake.

Zvirevo 20