Zvirevo 20:24-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

24. Kufamba kwomunhu kunotungamirirwa naJehovha. Zvino munhu anganzwisisa sei nzira yake?

25. Musungo kumunhu kuti akumikidze chimwe chinhu nokukurumidza uye ozorangarira mhiko dzake pava paya.

26. Mambo akachenjera anopepeta zvakaipa; anofambisa vhiri rokupura pamusoro pavo.

27. Mwenje waJehovha unonzvera mweya womunhu; unonzvera zviri mukatikati make.

Zvirevo 20