5. ipapo uchanzwisisa kutya Jehovha uye uchawana ruzivo rwaMwari.
6. Nokuti Jehovha anopa uchenjeri, uye mumuromo make munobuda zivo nokunzwisisa.
7. Anochengetera vakarurama kukunda, iye ndiye nhoo kuna avo vane mufambiro usina chaunopomerwa,
8. nokuti anochengetedza nzira yavakarurama, uye anodzivirira nzira yavakatendeka vake.
9. Ipapo uchanzwisisa zvakarurama, kururamisira nokuenzanisira nzira dzose dzakanaka.
10. Nokuti uchenjeri huchapinda mumwoyo mako, uye ruzivo ruchafadza mweya wako.
11. Kungwara kuchakuchengetedza, uye kunzwisisa kuchakurinda.
12. Uchenjeri huchakuponesa panzira dzavanhu vakaipa, vanhu vane mashoko asakarurama,
13. vanosiya nzira yakarurama kuti vafambe munzira dzerima,
14. vanofarira kuita zvakaipa uye vanofarira kusarurama kwezvakaipa,
15. vane nzira dzakaminama uye vanonyengera pamaitiro avo.
16. Zvichakuponesazve pamukadzi chifeve, kubva pamudzimai asingazvibati, anokwezva namashoko ake,
17. uyo akasiya murume woumhandara hwake uye akashaya hanya nesungano yaakaita pamberi paMwari.
18. Nokuti imba yake inoenda kurufu, uye nzira dzake kumweya yavakafa.