20. Teerera zano ugamuchire kurayirwa, uye pakupedzisira uchava wakachenjera.
21. Mune urongwa huzhinji mumwoyo momunhu, asi kuda kwaJehovha ndiko kunobudiririra.
22. Chinodiwa nomunhu rudo rusingagumi; zviri nani kuva murombo pano kuva murevi wenhema.
23. Kutya Jehovha kunotungamirira kuupenyu: Ipapo munhu achazorora zvakanaka, asingawirwi nedambudziko.
24. Simbe inoisa ruoko rwayo mundiro; igotadza kunyange kurwudzosa kumuromo wayo!
25. Rova museki, ipapo vasina mano vachadzidzawo ungwaru; tsiura munhu ane njere, ipapo achawana zivo.
26. Uyo anobira baba vake uye achidzinga mai vake mwanakomana anonyadzisa.
27. Mwanakomana wangu, ukasateerera kurayirwa, uchatsauka kubva pamashoko oruzivo.
28. Chapupu chakaipa chinoseka kururamisira, uye muromo womunhu akaipa unomedza zvakaipa.
29. Kurangwa kwakagadzirirwa vaseki, uye kurohwa misana yamapenzi.