1. Zviri nani kuva murombo ane mafambiro akarurama, pane benzi rine muromo wakatsauka.
2. Hazvibatsiri kushingaira usina zivo, kana kukurumidza uchizorasika nzira.
3. Upenzi hwomunhu hunoparadza upenyu hwake, asi mwoyo wake unotsamwira Jehovha.
4. Pfuma inouyisa shamwari zhinji, asi murombo anosiyiwa neshamwari dzake.
5. Chapupu chenhema hachingaregi kurangwa, uye uyo anodurura manyepo haangaregedzwi.
6. Vazhinji vanotsvaka nyasha kumubati, uye mumwe nomumwe ishamwari yomunhu anopa zvipo.
7. Murombo anoraswa nehama dzake dzose, kuzoti shamwari dzake, dzinomunzvenga zvakadii! Kunyange akavatevera achidemba kwazvo havangawanikwi.
8. Uyo anowana uchenjeri anoda upenyu hwake; uye anochengeta kunzwisisa anobudirira.
9. Chapupu chenhema hachingaregi kurangwa, uye uyo anodurura manyepo achaparara.