Zvirevo 18:9-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Uyo ano usimbe pakubata kwake ihama youyo anoparadza.

10. Zita raJehovha inhare yakasimba; vakarurama vanomhanyira kwariri vagochengetedzwa.

11. Pfuma yavapfumi ndiro guta ravo rina masvingo; vanoriona sorusvingo rurefu pakufunga kwavo.

12. Kuparadzwa kusati kwasvika, mwoyo womunhu unozvikudza, asi kuzvininipisa kunotangira kukudzwa.

13. Uyo anopindura asati anzwa, ndihwo upenzi hwake nokunyadziswa kwake.

14. Mweya womunhu unomusimbisa panguva yokurwara, asi mweya wakapwanyika ndiani angaumutsa?

15. Mwoyo woune njere unowana ruzivo, nzeve dzowakachenjera dzinorutsvaka.

16. Chipo chinozarurira nzira kune achipa, uye chinomusvitsa pamberi pavakuru.

17. Anotanga kusvitsa nyaya yake anoita seakanaka, kusvikira mumwe auya mberi kuzomubvunza.

18. Kukanda mijenya kunopedza gakava, uye kunotonga pakati pavaviri vanopikisana zvikuru.

19. Hama yatadzirwa yakasimba kupfuura guta rakakomberedzwa namasvingo, uye kukakavara kwakafanana namazariro amasuo omuzinda wamambo.

Zvirevo 18